Psalms 89

Masikiri raEtani muEzirahi.

1Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi;
ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose.
2Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi,
uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.

3Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu,
ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,
4‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi,
uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’ ” Sera

5Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha,
kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.
6Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha?
Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?
7Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene;
iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
8Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi?
Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.

9Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa;
mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
10Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa;
makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
11Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo;
makavamba nyika nezvose zviri mairi.
12Ndimi makasika kumusoro nezasi;
Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.
13Ruoko rwenyu rune simba;
chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.

14Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe;
rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.
15Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai,
vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.
16Vanofara muzita renyu zuva rose;
vanofara mukururama kwenyu.
17Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo,
uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.
18Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha,
mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.

19Ipapo makataura muchiratidzo,
mukati, kuvanhu venyu vakatendeka:
“Ndakaisa simba pamusoro pemhare;
ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.
20Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu;
ndakamuzodza namafuta matsvene.
21Ruoko rwangu ruchamutsigira;
zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.
22Hakuna muvengi achamuripisa mutero;
hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.
23Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake,
uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.
24Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye,
uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.
25Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa,
ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
26Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu,
Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’
27Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu,
iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.
28Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi,
uye sungano yangu naye haitongoperi.
29Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi,
uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo.

30“Kana vana vake vakasiya murayiro wangu,
uye vakasatevera zvandakatema,
31kana vakazvidza mitemo yangu,
uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,
32ndicharanga chivi chavo neshamhu,
uye kuipa kwavo nokurova kukuru;
33asi handizobvisi rudo rwangu kwavari,
kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.
34Handizozvidzi sungano yangu
kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.
35Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu,
uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,
36kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi
uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;
37chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi,
chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera

38Asi imi makaramba, makavenga,
makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.
39Makaparadza sungano yomuranda wenyu
uye mukasvibisa korona yake muguruva.
40Makaputsa masvingo ake ose
mukaita nhare dzake matongo.
41Vose vanopfuura napo vanomupamba;
ava chiseko chavavakidzani vake.
42Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake;
makaita kuti vavengi vake vose vafare.
43Makadzosera shure munondo wake unopinza,
uye hamuna kumutsigira pakurwa.
44Makagumisa kubwinya kwake,
mukawisira pasi chigaro chake choushe.
45Makatapudza mazuva oujaya hwake;
makamufukidza nejasi renyadzi. Sera

46Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here?
Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?
47Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei.
Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!
48Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu,
kana angazviponesa pasimba reguva? Sera
49Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko,
irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?
50Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei,
kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,
51kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha,
pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.

52Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi!
Ameni naAmeni.
Copyright information for SnaBDSC